1 Thessalonians 5

1Zvino, hama, kana dziri nguva kana misi hatifaniri kuti tikunyorerei, 2nokuti imi munoziva kwazvo kuti zuva raShe richauya sembavha usiku. 3Vanhu pavanenge vachiti, “Rugare norunyararo,” kuparadzwa kuchasvika pamusoro pavo nokukurumidza, somukadzi ane mimba worwadziwa, uye havangapunyuki.

4Asi imi, hama, hamusi murima zvokuti zuva iri rikusvikirei sembavha. 5Imi mose muri vanakomana vechiedza navanakomana vamasikati. Hatizi vousiku kana verima. 6Saka zvino, ngatiregei kuita savamwe vavete, asi ngatisvinurei uye tive vanozvidzora. 7Nokuti avo vanovata, vanovata usiku, uye avo vanodhakwa, vanodhakwa usiku. 8Asi sezvo tiri vamasikati, ngatizvidzorei, takapfeka kutenda norudo sechidzitiro chechipfuva, netariro yoruponeso senguwani. 9Nokuti Mwari haana kutisarudza kuti tive vokutsamwirwa asi kuti tigamuchire ruponeso kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu. 10Akatifira isu kuitira kuti, kunyange takasvinura kana tivete, tigare pamwe chete naye. 11Naizvozvo kurudziranai uye muvakane, sezvamunoita zvino.

Kurayira Kwokupedzisira

12Zvino tinokukumbirai, hama, kuti muremekedze avo vanoshanda nesimba pakati penyu, vari pamusoro penyu muna She uye vanokurayirai. 13Muvakudze zvikuru murudo nokuda kwebasa ravo. Garai murunyararo nomumwe nomumwe wenyu. 14Uye tinokukurudzirai, hama, kuti muyambire avo vano usimbe, mukurudzire vanotya, batsirai vasina simba, muite mwoyo murefu kuvanhu vose. 15Muve nechokwadi kuti kurege kuva nomunhu anodzorera chakaipa nechakaipa, asi edzai kuva nomwoyo munyoro kuno mumwe nomumwe wenyu uye nokuna vose.

16Farai nguva dzose; 17rambai muchinyengetera; 18vongai pazvinhu zvose, nokuti ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu.

19Musadzima moto woMweya; 20musazvidza zviprofita. 21Edzai zvinhu zvose. Batirirai kune zvakanaka. 22Regai zvakaipa zvose.

23Mwari pachake, iye Mwari worugare, ngaakuitei vatsvene kwazvo kwazvo. Mweya wenyu wose, nomwoyo uye nomuviri zvichengetwe zvisina mhosva pakuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu. 24Iye anokudanai akatendeka uye achazviita.

25Hama, tinyengeterereiwo.

26Kwazisai hama dzose nokutsvoda kutsvene.

27Ndinokurayirai pamberi paIshe kuti tsamba iyi iverengerwe hama dzose.

28Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.

Copyright information for SnaBDSC